Revelation of John 12

Mukadzi neShato

1Chiratidzo chikuru uye chinoshamisa chakaonekwa kudenga: mukadzi akanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsoka dzake, nekorona ine nyeredzi gumi nembiri pamusoro wake. 2Akanga ane mimba uye akadanidzira mukurwadziwa sezvo akanga ava kupona. 3Ipapo chimwe chiratidzo chakaonekwa kudenga: shato huru tsvuku ine misoro minomwe nenyanga gumi nekorona nomwe mumisoro yayo. 4Muswe wayo wakatsvaira chikamu chimwe chete muzvitatu chenyeredzi kubva kudenga ukadzikanda pasi. Shato yakamira pamberi pomukadzi akanga ava kuzvara, kuitira kuti iparadze mwana wake kana angozvarwa. 5Akazvara mwanakomana, munhurume, achazotonga ndudzi dzose netsvimbo yesimbi. Uye mwana wake akatorwa akaendeswa kuna Mwari nokuchigaro chake choushe. 6Mukadzi akatizira kugwenga kunzvimbo yaakanga agadzirirwa naMwari, kwaaizochengetwa kwamazuva chiuru namazana maviri namakumi matanhatu.

7Uye kudenga kwakava nehondo. Mikaeri navatumwa vake vakarwa neshato, uye shato navatumwa vayo ikadzorerawo. 8Asi yakanga isina simba rakakwana, uye nzvimbo yavo yakashayikwa kudenga. 9Shato huru yakakandwa pasi, iyo nyoka yekare inonzi dhiabhori, kana kuti Satani, anotsausa nyika yose. Akakandwa panyika pamwe chete navatumwa vake.

10Ipapo ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti:

“Zvino ruponeso nesimba noumambo hwaMwari wedu zvasvika,
uye nesimba raKristu wake.
Nokuti mupomeri wehama dzedu,
iye anovapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku,
akandwa panyika.
11Vakamukunda
neropa reGwayana
uye neshoko rokupupura kwavo;
havana kuda upenyu hwavo zvakanyanya
zvokuti vangatya kufa.
12Naizvozvo farai, imi matenga
nemi munogara maari!
Asi mune nhamo imi nyika negungwa,
nokuti dhiabhori aburuka kwamuri!
Akatsamwa kwazvo,
nokuti anoziva kuti nguva yake ipfupi.”
13Shato yakati yaona kuti yakanga yakandwa panyika, yakadzinganisa mukadzi akanga azvara mwana mukomana. 14Mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuitira kuti agobhururuka achienda kunzvimbo yaakanga agadzirirwa kugwenga, uko kwaaizochengetwa kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kusingasviki nyoka. 15Ipapo nyoka yakabudisa mvura yakaita sorwizi kubva mumuromo mayo, kuti ikukure mukadzi namafashamu. 16Asi nyika yakabatsira mukadzi nokuzarura muromo wayo ikamedza rwizi rwakanga rwabudiswa neshato mumuromo wayo. 17Ipapo shato yakatsamwira mukadzi ikaenda kundorwa navana vake vakanga vasara, vaya vanoteerera mirayiro yaMwari uye vanobatirira pauchapupu hwaJesu.

Copyright information for SnaBDSC